DzeKwedu Music Mwana Wangu (Official Audio)
DzeKwedu Music
0:00 / 0:00
DzeKwedu Music Mwana Wangu (Official Audio)
496 740 просмотров · 4 месяца назад
DzeKwedu Music
6,8 тыс. подписчиков
496 740 просмотров · 4 месяца назад
DzeKwedu Music Mwana Wangu (Official Audio)
Lyrics
Ishe… tariraiwo mwana wangu 🙏🏾
Ooh Muchengetei paanofamba…
Ishe tariraiwo mwana wangu
Paanofamba fambai naye
Ishe tariraiwo mwana wangu
Musamusiya fambai naye
Nekuti ndipo pakagara moyo wangu
Nekuti ndipo pakagara dzinza rangu
Nekuti ndipo pakagara moyo wangu
Nekuti ndipo pakagara dzinza rangu
Nyika yatinorarama izere ruvengo
achiri mudiki mubateyi ruwoko
Vakawanda vasingade kumuona aripano
Baba musamusiya, wedzerai hutano
Maziso ose akamutarisa
Havazi vose vanomufarira
If it Wasn't for you Dai zvakatopera
Lead the way baba iye achitevera
Ishe tariraiwo mwana wangu
Paanofamba fambai naye
Ishe tariraiwo mwana wangu
Musamusiya fambai naye
Nekuti ndipo pakagara moyo wangu
Nekuti ndipo pakagara dzinza rangu
Nekuti ndipo pakagara moyo wangu
Nekuti ndipo pakagara dzinza rangu
Shamwari dzake , ndadzive dzinovaka
Akwanise kuwona vose vakamumaka
Peer pressure ngaisamubata
Mukamusiya ega, show pangatoshata
Batai muromo azive pekunyarara
Nekuti vakawanda vandaona vaparara
Nekuda kwemuromo, kutaura zvisina mwero
Ishe musamusiya, mupeiwo nzira yakachena
Ishe musamusiya, ndapfugama ishe ndachema
Muchengetei Ishe zuva nezuva
Pamiyedzo ingauya nenguva
Kana zvarema munyaradzeyi musamusiya
Mwana mudiki mudzidziseyi Musamusiya ooh
Rudo rwenyu ngaruve nhovo yake
Chiedza chenyu chimuvenekere
Handina chimwe chandinokumbira
Kunze kwekuti muve naye nguva dzose
Ishe tariraiwo mwana wangu
Paanofamba fambai naye
Ishe tariraiwo mwana wangu
Musamusiya fambai naye
Nekuti ndipo pakagara moyo wangu
Nekuti ndipo pakagara dzinza rangu
Nekuti ndipo pakagara moyo wangu
Nekuti ndipo pakagara dzinza rangu