Перейти к содержимому

Vp Chiwenga votorerwa shamwari yavo yepedyo neZanu-Pf!

Jolaz TV-FM News

0:00 / 0:00

Vp Chiwenga votorerwa shamwari yavo yepedyo neZanu-Pf!

5 446 просмотров · 13 ч назад
Jolaz TV-FM News
17,9 тыс. подписчиков
5 446 просмотров · 13 ч назад
VaAngelbert Rugeje vozivisa kuti vave kugamuchira chigaro chekuva mumiriri weZimbabwe kuMaputo, Mozambique mushure mekumbochiramba! Mutauriri weparamende VaJacob Mudenda vokurudzira Dare reParamende kuti riise pamberi hutano, dzidzo mubhajeti renyika ra2027 pamusangano wePre-budget kuBulawayo! VaConstantino Chiwenga voudzwa kuti ngavagadzirire kurasikirwa neshamwari yavo yepedyo iyo yave kubatana naVaEmmerson Mnangagwa! Nhengo yeparamende yebato reZanu PF yokurudzira hurumende kuti ipe vakadzi vakaremara kuti vawane zvikwereti kuburikidza neWomen’s Empowerment Bank! Mutungamiriri wenyika yeRussia VaVladimir votaura kuti nyika yavo ishamwari iri nani kuAfrica kupfuura nyika dzekumadokero dzekoloni! VaVladimir Putin votanga kupomera nyika dzekumadokero mhosva yekuedza kushandisa zviwanikwa zvekondinendi uye kushandisa zvikwereti kumisa budiriro!