Перейти к содержимому

VaMnangagwa varikunzi vakachekeresa nyika nekuita zvisirizvo paChiumbwa chaMbuya Nehanda

Jolaz TV-FM News

0:00 / 0:00

VaMnangagwa varikunzi vakachekeresa nyika nekuita zvisirizvo paChiumbwa chaMbuya Nehanda

6 480 просмотров · Трансляция закончилась 9 ч назад
Jolaz TV-FM News
18,2 тыс. подписчиков
6 480 просмотров · Трансляция закончилась 9 ч назад
Discussion 01 Mambo Munhumutapa, original not VaMnangagwa, asi kuti Mambo chaivo ivo vekwaMunhumutapa votaura kunyika vachizivisa kuti muZanu-PF ndimo maita mumwe munhu ava kuita muchekadzafa pahumambo uhu! Discussion 02 VaMnangagwa vari kunzi vakachekeresa nyika nekuturika Mbuya Nehanda pamusoro peBridge, pakati peguta reHarare, vanhu vose vachipfuura vachidongorore mukati meDress ravo; mashoko achiti vaifanirwa kuiswa pasi! Discussion 03 Mutevedzeri weMutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vatumwa naVaMnangagwa kuenda kuRussia nhasi kunopedzisa chibvumirano chikuru chekushandira pamwe panyaya dzehutano pakati peZimbabwe neRussia! Discussion 04 Nyika yotandabotso iri muruoko rwaVaDaniel Garwe; VaGarwe vavhurika pakazara vanhu, nyika yese ichibva yanyara zvekushaya pokutarisa, mushure mekunge VaGarwe ava vazivisa vachinyepera vanhu kuti varikurwisana nekudzivirira kuti dzimba dzisapwanyiwe munyika! Discussion 05 Bellarmine Chatunga Mugabe, mwanakomana wevaya vaimbove Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, arara mutirongo nhasi zvakare mushure mekurambirwa kubuda nezuro kunze nezuro nekuda kwemhosva dzekuba nekuparadza midziyo, zvichitevera mhirizhonga yekurova kwaakaita munhu weZACC pane imwe lodge yevaenzi muHarare! Discussion 06 Mhosva dzanga dzichipomerwa muroora waAmai Mnangagwa Kelsea Tafirenyika, uyo anonzi mukadzi wechipiri wemapatya eMutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Collins Mnangagwa, nehama dzake nhatu, mhosva dzavanga vachipomerwa dzapera nekubvuma mhosva uye vachibva vabhadhariswa faindi, zvichitevera kutaurirana kwakaitwa pakati pemagweta ehurumende nemagweta anga achimiririra vanhu ava muBulawayo nemuHarare! Discussion 07 MaOdhiyo evanhu veZanu PF, anopoya munyika vachinyeya hutungamiri hwavo kuti hwakashata, hwakavashandisa kuunza CAB3 munyika, vachivanyepera kuti chinhu chakanaka, iyo iri chinhu chinozopwanyira vanhu dzimba! Discussion 08 Zanu-PF pachayo yobheja kuti munyika hamusati mava neCAB3, dzamara matare edzimhosva atenderana nazvo; zviri kutaurika izvi, pachibuda humbowo huri kufungidzirwa kuti matare edzimhosva azvipira kudzosera kumashure CAA3!