Перейти к содержимому

VaMnangagwa vanochinja route, kuZanu PF HQ kusingachasvikike

Jolaz TV-FM News

0:00 / 0:00

VaMnangagwa vanochinja route, kuZanu PF HQ kusingachasvikike

7 922 просмотра · Трансляция закончилась 10 ч назад
Jolaz TV-FM News
16,1 тыс. подписчиков
7 922 просмотра · Трансляция закончилась 10 ч назад
Discussion 01 Pane gwaro riri kutenderera munyika riri kubva kuvarwi vehondo yerusunguko vasina kudomwa nemazita avo vari kuyambira vanhu veZanu PF vachiti avo vari kuda kushandura Green Book, ngavazviite vachinzi kuti vanofanira kubuda pachena kuti havachisiri veZanu PF; Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vari kunzi vari kupikisa zvakasimba kuvandudzwa kwemutemo uyu! Discussion 02 Retired Air Marshal Henry Muchena vazivisa kuti gwaro riri kuyambira VaMnangagwa nevamwe vavo variona, vachibva vajekesa kuti ivo vari kutsigira zvakanyorwa mugwaro iri, vachiti havana simba rekupikisana nezvido zvevarwi vehondo, kana vasiri kuda kuti mutemo ushandurwe! Discussion 03 Nezuro bato reZanu PF rakawana shamwari yaVaChiwenga, iyo yainge yakaramwa kupinda misangano yeZanu PF, yakagara yakamirira VaMnangagwa kuti vauye vataure nezveGreen Book; mashoko achiti nezuro panga pasisina kumira zvakanaka, VaObert Mpofu vainge vauya kuzobatsira VaChiwenga, kuramba kushandurwa kweGreen Book! Discussion 04 VaBrett MuVet vayambira VaMnangagwa kuti vasakanganwa zvakaitika mugore ra2017; mabvisirwo akaitwa VaMugabe, ndiwo mabvisirwo ava kuitwa VaMnangagwa, vhiki ramangwana kana vakada kuedza kushandura Green Book, mutemo webato! Discussion 05 Vana vevakarwa hondo vazivisa kuti, Bumbiro remutemo reZimbabwe nereZanu-PF, rinopa mutungamiriri wenyuka VaEmmerson Mnangagwa masimba ekugadza nekudzinga makurukota nema Vice President panguva yavada kana vasisachavadi! Discussion 06 Nezuro bato reZanu PF rakatadza kuita musangano waro wakakosha wepolitburo mushure mekunge nhengo dzainge dzatogara pasi dzamirira kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vapinde vachitanga kupa hurukuro yavo yekusimbisa kushandura mutemo webato! Discussion 07 Nezuro VaMnangagwa vasati vasvika vakanzwa kuti musangano wezevezeve watopera kuitwa; mashoko achiti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vari kuramba kuvandudzwa kwebumbiro remitemo wabato reZanu PF Green Book, iro ranga richida kukurukurwa nezvaro nezuro, rine chekuita nekuwedzera nguva yaVaMnangagwa yekuti varambe vari pachigaro chavo nekusingapeei. Discussion 08 VaJealousy Mawarire, vazivisa kuti VaChiwenga vamirira kuti vaone kuvandudzwa kuri kuda kuitwa Green Book; mashoko achiti munhu wese akaudzwa nezuro kuti asabata magetsi achiziva kuti anogwiniwa nawo kana akada kutamba achibata bata tambo dzavo! Discussion 09 VaTemba Mliswa varamba nyaya iyi vachiti "aya ndiwo anonzi manyepo chaiwo" VaChiwenga havana simba mubato reZanu PF rekutaura vachirambidza kushandurwa kwemutemo webato. VaMliswa vavimbisa kuti nhasi vachaburitsa zvakaitika nezuro, zvakapa kuti vanhu vasimuke vachisiya vasina kuita musangano wavo. Discussion 10 Vari kuziva zviri kuitika vazivisa kuti VaChiwenga vari kupikisa zvakaitwa naVaMnangagwa panyaya yekugadzwa kwavo kwavakaita VaKudakwashe Tagwirei mudare reCabinet — iyi inyaya isati yanyatsonzveriwa! Discussion 11 Musangano weZanu PF uri kutanga swera mangwana kuChinhoyi uri musi weMuvhuro, nyaya yekuda kutsiva chigaro chaVaMnangagwa yakatanga nezuro ndokubva yaita kuti musangano usaenderere mberi, vanhu vava kunongedzerana zvakasimba! Discussion 12 Dunhu reMashonaland East razivisa kuti ragadzirira kuita musangano weZanu-PF weNational People’s Conference uri kuitirwa muChinhoyi kubva musi wa12 kusvika 17 Gumiguru vachitsigira VaMnangagwa kuti ngavarambe vachitonga pasawane munhu anovabvisa pachigaro chavo!