Uvaranomwe: #Museve Usingapotse - Tsigiro Shanu Dzomusoro WeBhuku.@learnshona-ds4yh @NdotoKids
Kirasi yeChiShona
0:00 / 0:00
Uvaranomwe: #Museve Usingapotse - Tsigiro Shanu Dzomusoro WeBhuku.@learnshona-ds4yh @NdotoKids
5 111 просмотров · 2 мес. назад
Kirasi yeChiShona
145 подписчиков
5 111 просмотров · 2 мес. назад
#museve #zvidzidzo zvemuseve usingapotse # musoro webhuku
Musoro webhuku rakanyorwa naCrymore Kutyauripo, unoti 'Museve Usingapotse', chirevo chakadzama chinoreva chombo chemuseve chinonangana nezvishuwo zvemukandi uye kuzadzisa chinangwa chemukandi wawo zvizere pasina kukundikana., izvi zvinodudzwa nezviitiko zvose zvinosanganisira kurwa, pangava pakutsiva kana kuvhima, zvinangwa izvi zvinobudirira nemutoo unozadzisa chishuwo chemukandi wemuseve , pangave pakutsiva mhosva kana zvakaipa, kudzivirira hushe kana kuvhima mhuka dzinotyisa.
Regai titarise tsigiro dzinobuda mubhuku iri dzinoratidza kuwadzana kana kudyidzana kwakasimba kuri pakati pemusoro uyu nezviitiko zvinobva papfungwa shanu dzakajeka. Dzinotevera
Musoro webhuku 'Museve Usingapotse' unotsigirwa naKaringe anouraya mbada pamwe naTapera nemuseve. Izvi zvinobuda panonzi nemunyori, mbada yakamusvetukira akakunga museve ndokuibvambura ikanorovera paruware ichibva yafa. Izvi zvinobuda zvakare panonzi nemunyori Karinge akakanda museve ukabaya Tapera mukanwa ukabuda nekugotsi.
Musoro webhuku unoti 'Museve Usingapotse' unotsigirwa naMambo Chakaingesu vanoparadza mhandu dzavo dzemauto vachishandisa miseve inopinza. Izvi zvinobuda panonzi nemunyori, Mambo Chakaingesu vanobaya Marizani nemuseve kugotsi kamwe chete achibva afa. Izvi zvinobuda zvakare panonzi nemunyori mambo vanopfuura Gutsa nemumwe museve une simba wakazobuda nekuseri kwemutsipa wake achibva afira ipapo.
Musoro webhuku unoti 'Museve Usingapotse' unotsigirwa naPondai anouraya Mambo Chakaingesu achishandisa miseve nehudzamu hweutsinye hwake. Izvi zvinobuda panonzi nemunyori, Pondai anobaya mambo nemuseve wekutanga pabendekete mambo paanenge achimhanyira kumuzinda achifunga kuti ari kuwana rubatsiro rwehondo. Izvi zvinobuda zvakare panonzi nemunyori Pondai anowedzera kubaya mambo nemimwe miseve pamutumbi wake kusvikira mambo vafa.
Musoro webhuku unoti 'Museve Usingapotse' unotsigirwa naKaringe anotsiva rufu rwaMambo Chakaingesu kubudikidza nekupfura Pondai. Izvi zvinobuda panonzi nemunyori, Karinge anopfuura Pondai nemuseve asati asvika pamuti wemuhacha wepamuzinda pavaizvamburaniswa nematombo nevarwi.
5. Musoro webhuku unoti 'Museve Usingapotse' unotsigirwa naMarizani anouraya nyoka yerovambira yakatsakatisa upenyu hweshamwari yake kunjerekunjere. Izvi zvinobuda panonzi nemunyori, Marizani anokunga uta hwake ndokupfura rovambira paziso pasina kupotsa paanenge achibva kunosora dunhu raMambo Chakaingesu. Izvi zvinobuda zvakare panonzi nemunyori Marizani anozoyedza kuipedzisa nemuseve wepiri wakanyatsoti bvo mumbatata dzedumbu rayo ndokuibvarura.
Mukupedzisa zchikamu chino zviri pachena kuti munyori Crymore Kutyauripo akanyatsosarudza musoro unoti 'Museve Usingapotse' kubva paruzivo rwakadzama rwezvinqngwa zvevatambi vakasiyana siyana.Zviitiko zvose zvekufira musango nekupambwa kwehushe hwevanhu nekuuraiwa kwemhuka zvakanyorwa mubhuku zvinodudza pachena kuti museve waive chombo chaizadzisa zvido zvevatambi pasina kutsauka kana kukundikana. Saka nekudaro, musoro uyu unokodzera kuva musoro webhuku nokuda kwekudyidzana zvakasimba nezviitiko zviri mubhuku.