Zanu-PF nezuro yakabvanganyura Green Book ndokuriita kuti riite zvavanoda ivo
Jolaz TV-FM News
0:00 / 0:00
Zanu-PF nezuro yakabvanganyura Green Book ndokuriita kuti riite zvavanoda ivo
6 831 просмотр · 1 дн. назад
Jolaz TV-FM News
17,2 тыс. подписчиков
6 831 просмотр · 1 дн. назад
VaMnangagwa neshamwari dzavo dzemuZanu PF, nezuro vakakutsirana VP Chiwenga vari vega, ndokubva vagona kumanikidzira kuzivisa kuti vawirirana kuti Zanu-PF yatochinja Congress yanga ichifanirwa kuitwa gore rinouya ndokunzi yava kuitwa mugore ra2029, kuitira kutsigira President Mnangagwa kuti vatonge kusvika muna 2030!
Zanu-PF nezuro yakabvanganyura Green Book ndokuriita kuti riite zvavanoda ivo zvekuti VaMnangagwa vasabve pachigaro, varambe vachitonga sezviri kutaurwa nemutemo wenyika wakashandurwa kubva muCAB3 kuenda kuCAA3!
Zvinhu zvatowedzera kuipira vamwe vanhu munyika; vashandi venhepfenyuro yeZBC neStar FM vava panguva yakaoma mushure mekunge vadhilita video yaVP Chiwenga vachitsokodzera tsokodzera VaMnangagwa pakazara vanhu kuChinhoyi!
Nhumwa dzinosvika 1 000 dziri kutarisirwa kupinda munyika yeZimbabwe kuzoona chimwe chiitiko cheComesa Summit chiri kutanga mangwana apo Zanu-PF iri kunyan'anya ichizivisa kuti ndiyo ine chimuti kuona zvose zviri kutakanyika munyika dzakakomberedza SADC!
Zanu-PF vhiki rino rese richapera ichiita misangano isati yajeka kuti inogona kuunza rugare kuvanhu here kana kuti ndezvekudyisana ivo vega pachavo seZanu PF iri kutonga nyika!
Masikati anhasi tichazeya zvakasimba kuti zvazvadai chii chichaitika munyika nekuti Green Book riya rambunyikidzwa VaChiwenga vakatarisa? VaChiwenga ava vachagona here kutora matanhobavo akudzosera hurongwa hwese uhu kumashure kana kuti zviya zvinositaurwa nevanhu kuti simba ravo rakagurunurwa ichokwadi? Ngatisanganei muzuva ranhasi tichizeya nyaya iyi. Vanoda kuunza maVoice Notes avo ngarai maunza muchitaura kuti muri kuzviona sei zvakaitika nezuro zvekuti Green Book rinoshandurwa zvechikiribidi mushure mekunge vanhu ava vamboyambirwa naVaChiwenga kuti kuita kwakadaro kunogona kudzosera nyika kuya kuna 2017!